Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016

 INDONESIA

Gungano Risingakanganwiki

Gungano Risingakanganwiki

KUBVA musi wa15-18 August 1963, mazana evaparidzi vomuIndonesia pamwe chete nevaenzi 122 vakabva kunyika dzakasiyana-siyana, vakaungana muguta reBandung, kuWest Java. Vainge vauya kuzopinda gungano raiva nemusoro unoti, “Mashoko Akanaka Asingaperi,” iro raiva gungano renyika dzakawanda rekutanga kuitirwa muIndonesia.

Hama dzakatarisana nematambudziko akawanda padzaigadzirira kupinda gungano racho. Nzvimbo yekuitira gungano racho yakachinjwa katatu nekuti nyika yaipemberera zuva reIndependence. Mitengo yezvinhu yakakwira zvakanyanya zvokuti mari dzezvifambiso dzakakwidzwawo zvakapetwa nekana, saka hama dzaifanira kutochinja zvokufambisa. Imwe hama yakafamba netsoka kwemazuva 6 kuenda kugungano. Vanhu 70 vaiuya kuzopinda gungano vachibva kuSulawesi vakaita mazuva mashanu vakatsvikinyidzana muzvikepe vasina chakavavharidzira.

Pagungano racho, hama dzemuIndonesia dzakafara chaizvo kuonana nehama nehanzvadzi dzavo dzechiKristu dzakabva kune dzimwe nyika, kusanganisira nhengo mbiri dzaiva mudare rinotungamirira, Hama Frederick Franz naHama Grant Suiter. Imwe hama yaibva kune imwe nyika yakati: “Hama dziri pano dziri kuratidza kufara chaizvo; tiri kungodziona dzichinyemwerera uye dzichiseka.”

Vanhu vanopfuura 750 vakapinda gungano racho uye 34 vakabhabhatidzwa. Ronald Jacka akati: “Gungano iri rinokosha rakaita kuti vanhu vakawanda vaifarira vatsigire chokwadi zvakasimba. Rakaitawo kuti hama [dzemuIndonesia] dzishande nesimba mubasa raMwari.”

Ronald Jacka (ari kurudyi) achipa hurukuro aine munhu ari kuturikira, pagungano remuna 1963 raiti “Mashoko Akanaka Asingaperi”