Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016

Kupinda Chirangaridzo—Chishanu, 3 April 2015

Kupinda Chirangaridzo—Chishanu, 3 April 2015

MUSI weMugovera, 7 March 2015, ungano dziri pasi rese dzakatanga mushandirapamwe wekukoka vanhu vakawanda, kuti vauye kuzoyeuka pamwe chete nesu rufu rwaJesu Kristu, uye kuti vazonzwa hurukuro yaitaura nezvekuti kufa kwake kunotibatsira sei. Mamiriyoni emapepa ekukoka vanhu akaparadzirwa achipiwa vanhu mumaoko, achitumirwa setsamba, uye vamwe vachiita zvekufonerwa. Izvi zvakaguma nei? Zvapupu zvaJehovha zvakafara pazvakagamuchira vanhu 19 862 783, vakauya musi weChishanu 3 April pakuungana uku kutsvene. Iye zvino Zvapupu zviri kushanda nesimba pakubatsira vaya vakapinda chirangaridzo kuti varambe vachiwadzana nevanhu vaJehovha, kuti vanamate Mwari wechokwadi, uye kuti vanzwe rudo rwake rwakadzama uye vakomborerwe zvikuru.—Mika 4:2.