Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015

 DOMINICAN REPUBLIC

Trujillo Nechechi yeRoma

Trujillo Nechechi yeRoma

USHAMWARI hwerudzii hwaiva pakati paTrujillo nechechi yeRoma? Imwe nyanzvi inoongorora zvematongerwo enyika yakati: “Panguva yaitonga Trujillo, kubva muna 1930 kusvika muna 1961, chechi yeRoma nehurumende yeDominican Republic zvaitsigirana; mutongi iyeye aiva neudzvinyiriri aifarira Roma, chechi yacho ichitsigira hurumende yake.”

Muna 1954, Trujillo akaenda kuguta reRome ndokusainirana chibvumirano naPapa. Germán Ornes, aimbova chipangamazano waTrujillo, akanyora kuti: “Sezvo chechi yeRoma yemuDominican Republic ichifarira chaizvo Trujillo, yava nenguva ichitsigira zvikuru ‘Ishe’ [Trujillo]. Vafundisi veRoma, vachitungamirirwa neMabhishopu Makuru, Ricardo Pittini naOctavio Beras ndivo vari pamberi kutaura mashoko ekuita kuti vanhu vatsigire hurumende yacho.”

Ornes anoti: “Pose paaiwana mukana, Papa aitumira  kwaziso kuna Trujillo.” . . . PaMusangano weTsika dzechiKaturike waitsigirwa [naTrujillo] wakaitwa muna 1956, muguta reCiudad Trujillo, Francis Cardinal Spellman akauya nemashoko anofadza, semumiririri anoremekedzwa waPapa. Cardinal Spellman akashanya achibva kuNew York ndokusvika achigamuchirwa semunhu anokosha zvikuru naPurezidhendi [Trujillo] pachake. Mifananidzo yavakatorwa vachimbundirana yakabudiswa mangwana acho pamapeji ekutanga mumapepanhau ese emuDominican Republic.”

Muna 1960, magazini inonzi Time yakati: “Kusvika pari zvino, Trujillo nechechi yeRoma vari kuwirirana zvikuru. Bhishopu mukuru Ricardo Pittini, anoremekedzwa chaizvo munyika dzemuAmerica, ava nemakore 83 uye haachaoni, asi makore mana apfuura akanyora tsamba kupepanhau reNew York Times achirumbidza Trujillo uye achitaura kuti ‘mutongi uyu anodiwa uye anokudzwa nevanhu vake kunyange zvazvo zvichinzi anodzvinyirira.’”

Zvisinei, chechi yeRoma yakatanga kuchinja maonero ayo pakachinja zvematongerwo enyika, pashure pemakore 30 ichitsigira udzvinyiriri hwaiitwa naTrujillo. Nyanzvi inoongorora zvematongerwo enyika inoti: “Nemhaka yekuti vaipikisa udzvinyiriri vaiwedzera, uye kuti pava paye vakazoedza kuita kuti munyika muve negutsaruzhinji, chechi yeRoma iyo yaimbova neushamwari naTrujillo kwenguva refu yaitofanira kuchinja maonero ayo.”

Pakupedzisira, muna 2011 Roma yaitofanira kukumbira ruregerero kuvanhu vemuDominican Republic. Pepanhau rinonzi Dominican Today rakataura mashoko aiva mutsamba yakabva kuchechi yeRoma richiti: ‘Tinoreurura kuti takakanganisa uye taiita zvinopesana nezvatinotenda, uye zvatinofanira kuita. Nemhaka yaizvozvo tinokumbira ruregerero uye tinokumbirisa kuti vagari vemuDominican Republic vatinzwisisewo.’