Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Sarudza Mutauro Shona

 KURARAMA KWECHIKRISTU

Uchaita Sei Mugore Rekusanaya Kwemvura?

Uchaita Sei Mugore Rekusanaya Kwemvura?

Tinofanira kuva nekutenda muna Jehovha uye kuvimba naye. Kana tiine kutenda kwakasimba tinova nechivimbo chekuti Jehovha achatidzivirira uye achatichengeta. (Pis 23:1, 4; 78:22) Sezvo tiri kuramba tichiswedera pedyo nemugumo wenyika ino, Satani achatowedzera kutirwisa. (Zva 12:12) Saka chii chingatibatsira?

ONA VHIDHIYO INONZI UCHAITA SEI MUGORE REKUSANAYA KWEMVURA? WOBVA WAZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  1. Takafanana papi ‘nemuti’ unotaurwa pana Jeremiya 17:8?

  2. Idambudziko ripi rakafanana ‘nekupisa’?

  3. ‘Muti’ uya uchaita sei uye nei zvichidaro?

  4. Chinangwa chaSatani ndechei?

  5. Takafanana papi nevanhu vajaira kufamba nendege?

  6. Nei tichifanira kuramba tichivimba nemuranda akatendeka, akangwara, uye miedzo ipi yatichasangana nayo?

  7. Nei tichifanira kuramba tichivimba nezvinotaurwa neBhaibheri pasinei nezvinotaurwa nevanhu?