Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Sarudza Mutauro Shona

 KURARAMA KWECHIKRISTU

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kukurukura Uine Chinangwa Chekuzoparidza

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kukurukura Uine Chinangwa Chekuzoparidza

Jesu akakwanisa kuparidza zvisina kurongwa kumukadzi muSamariya nekuti akatanga nekukurukura dzimwewo nyaya. Tingavandudza sei unyanzvi hwedu pakutanga kukurukura nevanhu?

  • Iva neushamwari uye taura nevanhu. Kunyange zvazvo akanga aneta, Jesu akatanga nekukumbira mvura. Saka unogona kutanga nekukwazisa uye wozotaura zvinhu zvakadai sezvakaita mamiriro ekunze kana kuti imwewo nyaya iri kuitika. Yeuka kuti chinangwa chako chekutanga ndechekuti mutange kukurukura, saka taura nyaya inogona kufarirwa nemunhu wacho. Kana akaratidza kuti haasi kuda zvekutaura, usaora mwoyo. Edza zvekare kutaura nemumwe. Kumbira Jehovha kuti akupe ushingi.​—Ne 2:4; Mab 4:29.

  • Shandisa mikana yaunowana kuti uparidze mashoko akanaka, asi usaita zvekumhanya-mhanya. Kana ukaita zvekumanikidzira kuti mukurukure, munhu wacho anogona kupedzisira atoramba zvekutaura newe. Usaora mwoyo kana kukurukura kwacho kukapera usati wamuparidzira. Kana uchitya kupinza nyaya dzeBhaibheri, chimbotanga nekudzidzira kungotaura nevanhu usina chinangwa chekuvaparidzira. [Ratidzai vateereri vhidhiyo nhamba 1 mozokurukura zvamaona.]

  • Edza kutaura zvinhu zvinokufadza nezvesangano redu. Izvi zvinogona kuita kuti munhu wauri kutaura naye ade kunzwa zvakawanda. Jesu akataura zvinhu zvakaita kuti mukadzi muSamariya ade kuziva zvakawanda.Paaimupindura, akanga ari kutomuparidzira mashoko akanaka. [Ratidzai vateereri vhidhiyo nhamba 2 mozokurukura zvamaona, mozoita zvimwe chetezvo nevhidhiyo nhamba 3.]