Sezvo dambudziko guru rava kusvika, basa redu rekuparidzira rava kufanira kuitwa nekukurumidza. (Zvi 24:11, 12, 20) Kuti tibatsire vanhu, tinogona kushandisa makadhi aya kuti vazive nezveShoko raMwari uye website yedu. Kadhi iri rine qr code inoita kuti munhu aone vhidhiyo inonzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri? uye rinomubvunza kana achida kudzidza Bhaibheri kana kuti anewo zvimwe zvaanoda kuziva. Vamwe vanhu havadi havo kutora mabhuku asi vanoda kuenda pawebsite yedu. Ukaona vanhu vakadaro unogona kuvapa kadhi. Asi usaripa vanhu vanenge vasingafariri.

Paunenge uchiita mabasa ako ezuva nezuva, unogona kuita kuti munhu afarire nokutaura kuti: “Ndine kadhi randiri kuda kukupai. Rine website ine mavhidhiyo nenyaya dzakasiyana-siyana uye zvese hazvitengeswi.” (Joh 4:7) Sezvo makadhi aya ari madiki, unokwanisa kugara uine mamwe kuti uzoashandisa pose panomuka mukana.