Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu–Purogiramu Yezvokuita Uye Zvichadzidzwa  |  November 2016

 PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MUPARIDZI 7-12

“Yeukawo Musiki Wako Mukuru Uchiri Mudiki”

“Yeukawo Musiki Wako Mukuru Uchiri Mudiki”

Yeuka Musiki wako Mukuru nekushandisa simba rako pakumushumira uchiri mudiki

12:1, 13

  • Vechidiki vakawanda vane utano uye simba zvokuti vanokwanisa kuita mabasa akaoma

  • Vechidiki vanofanira kushandisa nguva yavo nesimba mubasa raMwari vasati vakwegura

Soromoni paainyora nezvematambudziko anosangana nevakwegura akaanyora senhetembo

12:2-7

  • Vhesi 3: “Vakadzi vanoona nepamahwindo vasvibirwa”

    Maziso haachanyatsoona

  • Vhesi 4: “Vanasikana vose vorwiyo vava kunzwikira pasi pasi”

    Nzeve hadzichanyatsonzwa

  • Vhesi 5: “Mukapabheri watsemuka”

    Havachafariri kudya