Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Sarudza Mutauro Shona

 KURARAMA KWECHIKRISTU

Unogona Kutsungirira Kunyange Uine “Munzwa Munyama”!

Unogona Kutsungirira Kunyange Uine “Munzwa Munyama”!

Mumazuva ano ekupedzisira akaoma, vashumiri vese vaMwari vari kusangana nematambudziko akaita seminzwa. (2Ti 3:1) Zvii zvatingaita kuti Jehovha atibatsire kutsungirira? Tarisa vhidhiyo yakanzi “Maziso Emapofu Achasvinudzwa” kuti uone zviri kuitwa naTalita Alnashi nevabereki vake, wobva wapindura mibvunzo inotevera:

  • Talita ane ‘munzwa upi munyama’?

  • Talita nevabereki vake vakabatsirwa nevimbiso dzipi dzemuBhaibheri kuti varambe vaine maonero akanaka?

  • Vabereki vaTalita vakaratidza sei kuti vaivimba naJehovha mwana wavo achangobva kuoparetwa?

  • Vabereki vaTalita vakashandisa sei zvatinopiwa nesangano kuti vabatsire mwana wavo kuti ade Mwari?

  • Talita ari kuratidza sei kuti ari kuwedzera kuda Jehovha pasinei ‘nemunzwa munyama’ waainawo?

  • Zviri kuitwa naTalita zvakukurudzira sei?