JW Library app haitengeswi uye inoita kuti ukwanise kudhaunirodha Bhaibheri, mabhuku, mavhidhiyo nezvimwe zvokuteerera pafoni, patablet, kana kuti pakombiyuta.

KUTI UVE NAYO: Chokutanga iva nechokwadi chokuti uri paIndaneti, woenda paapp store, wotaipa kuti JW Library wozobaya pakanzi install. App iyi iripo pamatablet nemafoni akasiyana-siyana. Paunenge uri paIndaneti vhura app yacho wobva wasarudza zvinhu zvaunoda kudhaunirodha. Kana usingakwanisi kuwana Indaneti uri pamba penyu, unogona kuenda kuImba yoUmambo, kana paInternet café kana kuti pane imwewo nzvimbo. Zvinhu zvaunenge wadhaunirodha unokwanisa kuzongozviona kunyange usiri paIndaneti. Nguva nenguva JW Library inogara ichiwedzerwa zvimwe zvinhu, saka unofanira kugara uchienda paIndaneti kuti uone kana paine zvitsva zvinenge zvaiswa.

YAKANAKIREI? Kana uine JW Library zvinova nyore paunenge uchidzidza uri woga uye kufambirana nezvinenge zvichikurukurwa pamisangano yeungano. Inobatsirawo muushumiri kunyanya pakuparidzira zvisina kurongwa.