Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

USHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU–PUROGIRAMU YEZVOKUITA UYE ZVICHADZIDZWA MARCH 2016

 PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ESTERI 6-10

Esteri Akazvipira Kumiririra Jehovha Nevanhu Vake

Esteri Akazvipira Kumiririra Jehovha Nevanhu Vake
ONA
Mashoko
Mufananidzo

Esteri akaratidza ushingi nekuzvipira pakumiririra Jehovha nevanhu vake

8:3-5, 9

  • Esteri naModhekai vakanga vasiri pangozi yokuurayiwa. Asi murayiro waHamani wokuuraya vaJudha vose wakanga uchiendeswa kunzvimbo dzose dzeumambo hwacho

  • Esteri akaisazve upenyu hwake pangozi nokuenda kunoona mambo asina kushevedzwa. Akachema uye akakumbira mambo kuti achinje murayiro wakanga wadzikwa wokuti vanhu verudzi rwake vaurayiwe

  • Mitemo yaidzikwa muzita ramambo yakanga isingagoni kuchinjwa. Saka mambo akapa Esteri naModhekai simba rekuti vadzike mutemo mutsva

Jehovha akaita kuti vanhu vake vakunde zvine mutsindo

8:10-14, 17

  • Pakaziviswa murayiro wechipiri waipa vaJudha kodzero yokuzvidzivirira

  • Vatasvi vemabhiza vakamhanya vachienda kumatunhu ose eumambo hwacho uye vaJudha vakabva vagadzirira kurwa

  • Vanhu vakawanda vakaona kuti Jehovha airwira vanhu vake uye vakabva vatendeukira kuchiJudha