Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Vanhu vari paChirangaridzo Cherufu rwaKristu muGermany

PUROGIRAMU YEUSHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU March 2016

Mharidzo Dzekuenzanisira

Mazano ekushandisa pakupa vanhu Nharireyomurindi uye pepa rekuvakoka kuChirangaridzo cha2016. Shandisa mienzaniso iyi pakugadzira mharidzo dzako pachako.

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Esteri Akazvipira Kumiririra Jehovha Nevanhu Vake

Akaisa upenyu hwake pangozi uye akabatsira Modhekai kudzika mutemo waizodzivirira vaJudha kuti vasatsakatiswa. (Esteri 6-10)

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kunyora Mharidzo Yako Yemagazini

Shandisa mazano acho kuti unyore mharidzo dzako dzemuushumiri dzeNharireyomurindi uye Mukai!

KURARAMA KWECHIKRISTU

Gamuchira Vaenzi Vedu

Tingagamuchira sei vaenzi kuChirangaridzo uye vaya vanenge vasisaiti basa?

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Jobho Akaramba Akaperera Kuna Mwari Paakaedzwa

Akaratidza kuti hapana munhu aikosha muupenyu hwake kupfuura Jehovha. (Jobho 1-5)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Jobho Anotaura Nezvekurwadziwa Kwake

Jobho akashungurudzika, zvikaita kuti ave nemaonero asina kunaka. Pasinei neizvi, akaramba achida Jehovha Mwari. (Jobho 6-10)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Jobho Aitenda Zvakasimba Kuti Vakafa Vachamutswa

Aiziva kuti Jehovha aizoita kuti avezve mupenyu sezvinoita chigutsa chemuti chinotungira kubva pamidzi. (Jobho 11-15)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rudzikinuro Rwunoita Kuti Pave Nerumuko

Chipo chaJehovha cherudzikinuro chinoita kuti tive nechokwadi chekuti rumuko rwuchavako. Panzvimbo pekuva nemariro evanhu vatinoda, tichavagamuchira pavanomutswa.