Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Sarudza Mutauro Shona

 KURARAMA KWECHIKRISTU

Nyatsotevera Tsoka dzaKristu

Nyatsotevera Tsoka dzaKristu

Jesu akatisiyira muenzaniso wekuti titevedzere, kunyanya patinosangana nemiedzo kana kuti patinotambudzwa. (1Pe 2:21-23) Jesu haana kumbodzorera paaitukwa, kunyange paaitambudzwa. (Mk 15:29-32) Chii chakamubatsira kuti atsungirire? Akanga akatsunga kuita zvaidiwa naJehovha. (Joh 6:38) Pfungwa dzake dzaivawo ‘pamufaro wakaiswa pamberi pake.’​—VaH 12:2.

Tinoita sei kana tikaitirwa zvinhu zvakaipa nemhaka yekutenda kwedu? VaKristu vechokwadi ‘havadzoreri chakaipa nechakaipa.’ (VaR 12:14, 17) Kana tikatevedzera zvaiitwa naKristu paaitambudzwa, tichafara nekuti tinenge tichiita zvinofadza Jehovha.​—Mt 5:10-12; 1Pe 4:12-14.

ONA VHIDHIYO INONZI ZITA RAJEHOVHA RINONYANYA KUKOSHA, WOZOPINDURA MIBVUNZO IYI:

  • Hanzvadzi Pötzinger * vakashandisa sei nguva yavo pavaiva vakasungwa?

  • Hama nahanzvadzi Pötzinger vakatsungirira zvinhu zvipi pavaiva mumisasa yevasungwa?

  • Chii chakavabatsira kuti vatsungirire?

Paunenge uchitambudzwa, nyatsotevera tsoka dzaKristu

^ ndima 6 Zita racho rinogona kunyorwawo richinzi Poetzinger.