Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

USHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU–PUROGIRAMU YEZVOKUITA UYE ZVICHADZIDZWA JUNE 2016

 KURARAMA KWECHIKRISTU

“Mwari Ndiye Mubatsiri Wangu”

“Mwari Ndiye Mubatsiri Wangu”

Mapisarema 52-59 anotaura kuti Dhavhidhi ainzwa sei zvinhu pazvainge zvakamuomera muupenyu. Panguva idzodzo dzainge dzakaoma, akaramba achivimba naJehovha. (Pis 54:4; 55:22) Akarumbidzawo Jehovha pamusana peShoko rake. (Pis 56:10) Isuwo pane zvatiri kuedza kuita here kuti tive nekutenda uye tivimbe naMwari wedu sezvaiita Dhavhidhi? Tinotsvaka mazano muShoko rake here patinosangana nematambudziko? (Zvi 2:6) Mavhesi api emuBhaibheri akakubatsira . . .

  • pawainge wakaora mwoyo?

  • pawairwara?

  • pawainge wagumburwa nevamwe?

  • pawaitambudzwa?