Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

USHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU–PUROGIRAMU YEZVOKUITA UYE ZVICHADZIDZWA JUNE 2016

 PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAPISAREMA 52-59

“Kanda Mutoro Wako Pana Jehovha”

“Kanda Mutoro Wako Pana Jehovha”

Dhavhidhi akasangana nematambudziko akakura muupenyu hwake. Panguva yaakazonyora Pisarema 55, Dhavhidhi akanga asangana nezvinhu zvakadai se. . .

  • Kushorwa

  • Kuda Kuurayiwa

  • Kunetseka Nechivi Chakakura Chaakaita

  • Kufirwa Nemwana

  • Kurwara

  • Kupandukirwa

Kunyange nhamo dzake padzaiita sedzava kumukurira, Dhavhidhi ane zvaakaita zvakamubatsira kutsungirira. Chero ani zvake angasangana nematambudziko akaita seaya, anogona kusimbiswa nemashoko akanyorwa naDhavhidhi okuti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha.”

Vhesi iyi tingaishandisa sei?

55:22

  1. Durura mwoyo wako kuna Jehovha uchimuudza chero dambudziko kana chinhu chiri kukudya mwoyo

  2. Tsvaka kutungamirirwa uye kubatsirwa neShoko raJehovha uye nesangano rake

  3. Ita zvaunogona kuti uderedze dambudziko raunaro asi usaita zvinhu zvinopesana nezvinotaurwa neBhaibheri