Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

USHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU–PUROGIRAMU YEZVOKUITA UYE ZVICHADZIDZWA JUNE 2016

 KURARAMA KWECHIKRISTU

Umambo Hwava Nemakore 100 Uye Hucharamba Huchitonga

Umambo Hwava Nemakore 100 Uye Hucharamba Huchitonga

Vose vanoda kutongwa neUmambo hwaMwari vanofanira kushanda nesimba kuti vazive nezveUmambo uye zvahuri kuita. Nei vachifanira kuita izvi? Nekuti zvichaita kuti vave nechokwadi chekuti Umambo hwaMwari huri kutonga uye zvichaitawo kuti vade kuudza vamwe mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Pis 45:1; 49:3) Paunenge uchiona vhidhiyo inonzi Umambo Hwava Nemakore 100 Uye Hucharamba Huchitonga, tsvaga mhinduro dzemibvunzo iyi:

  1. “Photo-Drama of Creation” yakabatsira sei vanhu vakaiona?

  2. Nhepfenyuro yeWBBR yakashandiswa sei kuti vanhu vanzwe mashoko akanaka?

  3. Ndedzipi dzimwe nzira dzaishandiswa kuparidza mashoko akanaka uye dzakabatsira sei?

  4. Nokufamba kwaiita makore, zvii zvaiitwa kuti vaparidzi vawedzere unyanzvi hwavo pakuparidza?

  5. Vanhu vaipinda Chikoro cheGiriyedhi vaidzidziswa sei kuparidza?

  6. Magungano akabatsira sei pakudzidzisa vanhu vaJehovha?

  7. Chii chinokuratidza kuti Umambo hwaMwari huri kutonga?

  8. Tinoratidza sei kuti tinotsigira Umambo hwaMwari?