Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

USHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU–PUROGIRAMU YEZVOKUITA UYE ZVICHADZIDZWA JUNE 2016

 PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAPISAREMA 45-51

Jehovha Haazozvidzi Mwoyo Wakaputsika

Jehovha Haazozvidzi Mwoyo Wakaputsika

Pisarema 51 rakanyorwa naDhavhidhi pashure pekunge atsiurwa nemuprofita Natani nezvechivi chakakura chaakaita naBhati-shebha. Hana yaDhavhidhi yakatanga kumutongesa, achibva azvininipisa ndokureurura.—2Sa 12:1-14.

Dhavhidhi ainge aita chivi asi zvakanga zvichiri kukwanisika kuti avezve neushamwari naJehovha

51:3, 4, 8-12, 17

  • Asati apfidza uye asati areurura, hana yake yaimutambudza

  • Akarwadziwa chaizvo nekuti ainge atadzira Mwari zvekuti ainzwa mapfupa ake achiita seapwanyika

  • Aida chaizvo kuregererwa, kuvazve neushamwari naJehovha uye mufaro waaimbova nawo

  • Akazvininipisa, akateterera kuna Jehovha achikumbira kuti ave nemwoyo unoda kuteerera

  • Aiva nechokwadi chekuti Jehovha aizomuregerera