Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Sarudza Mutauro Shona

 PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | VAKOROSE 1-4

Pfekenurai Unhu Hwekare, Mupfeke Unhu Hutsva

Pfekenurai Unhu Hwekare, Mupfeke Unhu Hutsva

3:5-14

Pawakawana chokwadi, pane zvinhu zvakawanda zvawakachinja paunhu hwako here? Jehovha akafara chaizvo nekushanda nesimba kwawakaita. (Eze 33:11) Asi unofanira kuramba uchishanda nesimba kuti unhu ihwohwo husadzoka uye woramba uchiva neunhu hutsva. Pindura mibvunzo inotevera kuti uone paunofanira kugadzirisa:

  • Ndinoramba ndiine chigumbu here kana ndikatadzirwa nemumwe munhu?

  • Ndinoratidza vamwe mwoyo murefu here kunyange ndiine zvandiri kumhanyira kuita kana kuti ndakaneta?

  • Kana ndikapindwa nepfungwa dzeunzenza, ndinokurumidza kudzibvisa here?

  • Ndinovenga vanhu verumwe rudzi here?

  • Munguva ichangobva kupfuura, pane here zvandakaita zvinoratidza kuti ndakatadza kudzora hasha?