Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Purogiramu yeUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu  |  July 2017

 KURARAMA KWECHIKRISTU

Iwe Pachako Unozviregerera Here?

Iwe Pachako Unozviregerera Here?

Dzimwe nguva tinoramba tichingozvitongesa pazvivi zvatakatoregererwa kare naJehovha. Pane hurukuro yakapiwa paGungano Remunharaunda ra2016 raiti “Ramba Wakavimbika Kuna Jehovha!” uye pakaratidzwa vhidhiyo yaitaura nezvenyaya iyi. Enda paJW Library app kuti uone zvekare vhidhiyo yacho, wopindura mibvunzo iyi:

  • Sonja akaita makore mangani akadzingwa?

  • Sonja akaverengerwa rugwaro rwupi nevakuru, uye rwakamubatsira sei?

  • Ungano yakabata sei Sonja paakadzorerwa?

  • Sonja aimbonetseka nei, asi baba vake vakamubatsira sei?