Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

USHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU–PUROGIRAMU YEZVOKUITA UYE ZVICHADZIDZWA JULY 2016

 PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAPISAREMA 60-68

Rumbidza Jehovha, Munzwi Wemunyengetero

Rumbidza Jehovha, Munzwi Wemunyengetero

Nyengetera kuna Jehovha uchitaura zvawakamuvimbisa

61:1, 8

  • Kunyengetera tichitaura zvatakavimbisa kunotibatsira kuti tizozvizadzisa

  • Pazvinhu zvose zvatingavimbisa Mwari, kuzvitsaurira ndicho chinhu chinonyanya kukosha

Hana

Ratidza kuti unovimba naJehovha nokumuudza zviri pasi pemwoyo wako

62:8

  • Kunyengetera nemwoyo wose kunoreva kutaurawo zvauri kunzwa mumwoyo wako

  • Patinonyengetera tichinyatsotaura zvatinoda, tinosvika pakunyatsoona kupindura kunoita Jehovha

Jesu

Jehovha anonzwa minyengetero yevanhu vose vanomuda

65:1, 2

  • Jehovha anoteerera “vanhu vemarudzi ose” vanoda kunyatsomuziva uye kuita zvaanoda

  • Tinogona kunyengetera kuna Jehovha chero nguva

Koneriyasi

Nyora zvinhu zvaunoda kuzotaura paunenge uchinyengetera.