Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Sarudza Mutauro Shona

 PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MABASA 25-26

Pauro Anokwidza Nyaya Yake Kuna Kesari Uye Anoparidzira Mambo Herodhi Agripa

Pauro Anokwidza Nyaya Yake Kuna Kesari Uye Anoparidzira Mambo Herodhi Agripa

25:11; 26:1-3, 28

Kunyange zvazvo tisingafaniri kunetseka kuti tichatii ‘patinoendeswa pamberi pemagavhuna nemadzimambo,’ tinofanira ‘kugara takagadzirira kuzvidzivirira’ kune munhu wese anotibvunza zvatinotenda. (Mt 10:18-20; 1Pe 3:15) Kana vanotipikisa vakaedza kutitambudza ‘vachishandisa murau,’ tingatevedzera sei Pauro?​—Pis 94:20.

  • Tinoshandisa kodzero dzedu dzepamutemo kuti tidzivirire mashoko akanaka.​—Mab 25:11

  • Tinotaura nevane masimba neruremekedzo.​—Mab 26:2, 3

  • Kana zvichiita, tinovataurira kubatsirwa kwatakaitwa nemashoko akanaka uye kubatsira kwaari kuitawo vamwe.​—Mab 26:11-20