Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

USHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU–PUROGIRAMU YEZVOKUITA UYE ZVICHADZIDZWA JANUARY 2016

 SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

Kuitisa Chidzidzo cheBhaibheri Uchishandisa Bhurocha raMashoko Akanaka

Kuitisa Chidzidzo cheBhaibheri Uchishandisa Bhurocha raMashoko Akanaka
  1. Verenga mubvunzo unenge wakaiswa nhamba uye wakanyorwa nemabhii matema-tema kuti ubatsire saimba kuona pfungwa huru.

  2. Verenga ndima inenge iri pasi pacho.

  3. Verenga magwaro anenge akatsveyamiswa, uye shandisa mibvunzo neungwaru kuti ubatsire saimba kuona kuti magwaro acho ari kupindura sei mubvunzo unenge wakaiswa nhamba

  4. Kana paine imwe ndima inenge iri pasi pemubvunzo wacho, dzokorora danho 2 ne3. Kana uine vhidhiyo yepajw.org inoenderana nemubvunzo uripo yausati waratidza saimba, wana nguva yekuti umuratidze paunenge uchikurukura naye.

  5. Pedzisa nekuita kuti saimba apindure mubvunzo unenge wakaiswa nhamba kuti uone kana anzwisisa.