Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

USHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU–PUROGIRAMU YEZVOKUITA UYE ZVICHADZIDZWA JANUARY 2016

January 4-10

2 MAKORONIKE 29-32

January 4-10
  • Rwiyo 114 Nemunyengetero

  • Mashoko Ekusuma (3 min. zvichidzika)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

  • Kunamata Jehovha Kunoda Kuti Munhu Ashande Nesimba”: (10 min.)

    • 2Mak 29:10-17—Hezekiya anoshanda nesimba kuti pavezve nekunamata kwechokwadi

    • 2Mak 30:5, 6, 10-12—Hezekiya anokoka vose vane mwoyo yakatendeseka kuti vaungane kuzonamata

    • 2Mak 32:25, 26—Hezekiya anorega kuzvikudza ndokutanga kuzvininipisa (w05 10/15 25 ¶20)

  • Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (8 min.)

    • 2Mak 29:11—Chii chakaitwa naHezekiya chatinogona kutevedzera panyaya yekuisa zvinhu zvinokosha pekutanga? (w13 11/15 17 ¶6-7)

    • 2Mak 32:7, 8—Ndechipi chinhu chinonyanya kubatsira chatingaita pakugadzirira matambudziko achauya? (w13 11/15 20 ¶17)

    • Ndinodzidzei nezvaJehovha kubva pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

    • Ipfungwa dzipi dziri pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino dzandinogona kushandisa mubasa remumunda?

  • Kuverenga Bhaibheri: 2Mak 31:1-10 (4 min. zvichidzika)

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

  • Gadzirira Mharidzo Dzemwedzi Uno: (15 min.) Kukurukurirana. Ratidzai vateereri vhidhiyo yekutanga ine Mharidzo Yekuenzanisira yeNharireyomurindi, mobva makurukura navo zvinhu zvinokosha zvaitwa. Simbisai zvaitwa nemuparidzi kuti asiye pekutangira kuitira paanozodzokera. Itai zvimwe chetezvo nemharidzo yekuenzanisira yechipiri yeNharireyomurindi mobva mazoita yebhurocha raMashoko Akanaka. Kurukurai nevateereri nyaya inoti “Kuitisa Chidzidzo cheBhaibheri Uchishandisa Bhurocha raMashoko Akanaka.Kurudzirai vaparidzi kuti vanyore mharidzo dzavo pachavo.

KURARAMA KWECHIKRISTU

  • Rwiyo 127

  • Chikomborero Chatiinacho Chekuvaka Nekugadziridza Nzvimbo Dzekunamatira”: (15 min.) Kukurukurirana. Kumbirai vakambovaka Dzimba dzeUmambo kuti vataure nezvemufaro wavakawana nekuita basa iri. Itai kuti hama inoona nezvekuchenesa uye kugadziridza Imba yeUmambo iuye kuchikuva, moibvunza nezveurongwa hweungano yenyu.

  • Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: ia chits. 6 ¶1-14 (30 min.)

  • Kudzokorora Zvadzidzwa Uye Kutaura Zvichadzidzwa Vhiki Inotevera (3 min.)

  • Rwiyo 142 Nemunyengetero

    Chiyeuchidzo: Tapota ridzai rwiyo urwu rwutsva kamwe chete, mozoita kuti ungano iimbe pamunorwuridza kechipiri.