Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Purogiramu yeUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu  |  January 2016

 PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | EZRA 6-10

Jehovha Anoda Vashumiri Vanozvipira

Jehovha Anoda Vashumiri Vanozvipira

Ezra anogadzirira kudzokera kuJerusarema

7:6, 22; 8:26, 27

  • Ezra anobvumidzwa naMambo Atashasta kudzokera kuJerusarema kunobatsira pakuita kuti vanhu vanamate Jehovha

  • Mambo anopa Ezra “zvose zvaakakumbira,” kuti zvishandiswe paimba yaJehovha zvinoti goridhe, sirivha, gorosi, waini, mafuta nemunyu. Tikaenzanisa zvose izvi nemari yemazuva ano zvinopfuura US$100 million

Ezra akavimba naJehovha kuti aizodzivirira vashumiri vake

7:13; 8:21-23

  • Zvaizooma kudzokera kuJerusarema

  • Nzira inofungidzirwa kuti ndiyo yavakafamba nayo yainge yakareba anenge makiromita 1 600 vachipfuura nemunzvimbo dzaiva nengozi

  • Rwendo rwacho rwakatora inenge mwedzi 4

  • Vaya vaidzoka vaifanira kuva nekutenda kwakasimba, vaifanira kushingairira kunamata kwechokwadi uye vaifanira kuva neushingi

EZRA AKATAKURA . . 

Sirivha negoridhe zvairema matarenda anodarika 750 KANA KUTI zvaigona kurema dzinenge nzou hono 3 dzakakura!

MATAMBUDZIKO AKATARISANA NEVAIDZOKA . . .

Mapoka aipamba, kufamba mugwenga, mhuka dzinotyisa dzemusango