Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

USHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU–PUROGIRAMU YEZVOKUITA UYE ZVICHADZIDZWA JANUARY 2016

 KURARAMA KWECHIKRISTU

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kusiya Pekutangira Kuitira Patinozodzokera

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kusiya Pekutangira Kuitira Patinozodzokera

SEI ZVICHIKOSHA?

Tinoda kudiridza mbeu yechokwadi yatinodyara. (1VaK 3:6) Kana tikaona munhu anofarira, zvakanaka kuti tisiye mubvunzo wekuti tizokurukura naye kuitira patinozodzokera. Izvi zvichaita kuti ade kunzwa zvimwe uye zvichatiitira nyore kugadzirira kuzokurukurazve naye. Patinodzokera, tinogona kumuudza kuti tauya kuzopindura mubvunzo watakasiya.

MAITIRWO AZVO:

  • Paunenge uchigadzirira mharidzo yepaimba neimba, gadzirirawo mubvunzo waunozopindura paunodzokera. Unogona kubvunza mubvunzo unopindurwa munyaya iri muchinyorwa chaunenge uchipa vanhu, kana kuti unopindurwa murimwe remabhuku atinodzidza nevanhu raunenge wakaronga kuzoshandisa paunodzokera.

  • Paunenge wava kupedzisa kukurukura nemunhu anofarira, muudze kuti unoda kuzotaurazve naye uye siya wamubvunza mubvunzo wawakagadzirira. Kana zvichiita pihwa nhamba dzefoni, e-mail kana kuti kero.

  • Kana ukamuudza nguva yauchazodzoka, svika panguva yacho iyoyo.Mt 5:37.