Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

USHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU–PUROGIRAMU YEZVOKUITA UYE ZVICHADZIDZWA FEBRUARY 2017

 PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ISAYA 63-66

Matenga Matsva Nenyika Itsva Zvichaita Kuti Tifare

Matenga Matsva Nenyika Itsva Zvichaita Kuti Tifare

Zvakavimbiswa naMwari zviri muchitsauko 65 chaIsaya zvichaitika nekuti Jehovha akatotaura nezvazvo sekunge zvatoitika.

Jehovha achaita kuti pave nematenga matsva nenyika itsva uye zvinhu zvekare hazvizoyeukwi

65:17

Matenga matsva chii?

  • Ihurumende itsva ichaita kuti panyika pave neupenyu hwakanaka

  • Yakatanga kutonga muna 1914 Kristu paakagadzwa kuva Mambo weUmambo hwaMwari

Nyika itsva chii?

  • Vanhu vemarudzi ose uye vemitauro yose vanozviisa pasi pehurumende itsva yekudenga

Zvinorevei kuti zvinhu zvekare hazvizoyeukwi?

  • Zvinhu zvinokonzera ndangariro dzinorwadza, zvakadai sekurwara uye kushungurudzika zvinenge zvisisiko

  • Vanhu vakavimbika vachanakidzwa neupenyu uye zuva rimwe nerimwe vachava nezvinhu zvinofadza zvekuyeuka