Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Purogiramu yeUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu  |  February 2017

 KURARAMA KWECHIKRISTU

Farai Patariro Yenyu

Farai Patariro Yenyu

Tariro yakafanana nechinhu chinotsigisa ngarava. (VaH 6:19) Inotibatsira kuti kutenda kwedu kusaparara panouya matambudziko akafanana nedutu remugungwa. (1Ti 1:18, 19) Mamwe acho kuora mwoyo, kurasikirwa nezvinhu zvedu, kurwara kwenguva yakareba, kufirwa, kana kuti chero chii zvacho chingaita kuti tisaramba takaperera kuna Mwari.

Tikava nekutenda netariro, tichakwanisa kuona mubayiro watakavimbiswa. (2VaK 4:16-18; VaH 11:13, 26, 27) Saka pasinei nekuti tariro yedu ndeyekuzorarama kudenga here kana kuti panyika, tinofanira kuisimbisa nekugara tichifungisisa nezvevimbiso dziri muBhaibheri. Tikadaro, zvichava nyore kuramba tichifara patinosangana nemiedzo.1Pe 1:6, 7.

ONA VHIDHIYO INONZI FARAI PATARIRO, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Nei tichifanira kutevedzera Mosesi?

  • Ndezvipi zvinofanira kuitwa nemisoro yemhuri?

  • Zvii zvamungaita pakunamata kwemhuri?

  • Tariro inogona kukubatsira sei paunosangana nemiedzo?

  • Chii chaunotarisira munguva yemberi?