Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

USHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU–PUROGIRAMU YEZVOKUITA UYE ZVICHADZIDZWA FEBRUARY 2017

 KURARAMA KWECHIKRISTU

Usapambadza Mabhuku

Usapambadza Mabhuku

Jesu akati: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.” (Mt 10:8) Tinoteerera mashoko iwayo akajeka atakaudzwa nekusabhadharisa vanhu maBhaibheri kana mabhuku atinovapa. (2VaK 2:17) Asi hazvirevi kuti haakoshi; zvaanodzidzisa ichokwadi chiri muShoko raMwari. Ibasa chairo uye panoshandiswa mari yakawanda kuti aprindwe uye atumirwe kuungano pasi rose. Saka tinofanira kungotora atinoda kushandisa.

Usapambadza mabhuku, kunyange paunenge uchiparidza munzvimbo dzinopfuura vanhu. (Mt 7:6) Panzvimbo pekupa wese ari kupfuura, edza kutaura naye kuti uone kana achifarira. Pamibvunzo iri mubhokisi, kana paine wauchapindura kuti ehe, zvinoratidza kuti munhu wacho ari kufarira. Kana usiri kuona kuti ari kufarira here kana kuti haasi, zviri nani kumupa turakiti. Asi kana akakumbira magazini kana kuti rimwe bhuku, hatifaniri kumunyima.Zvi 3:27, 28.