Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Purogiramu yeUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu  |  February 2017

 PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ISAYA 52-57

Kristu Akatambudzikira Isu

Kristu Akatambudzikira Isu

“Akazvidzwa uye akarambwa nevanhu . . . Takamuona seakatambudzwa, akarohwa naMwari uye akarwadziswa”

53:3-5

  • Jesu akazvidzwa uye akapiwa mhosva yekuti aimhura. Vamwe vaifunga kuti akanga ari kurangwa naMwari

‘Jehovha akafarira kumupwanya, uye achishandisa iye, zvinofarirwa naJehovha zvichabudirira’

53:10

  • Jehovha akarwadziwa paakaona Mwanakomana wake achiurayiwa. Asi akafara kumuona achiramba akavimbika. Rufu rwaJesu rwakaratidza kuti zvakataurwa naSatani nezvekuvimbika kwevashumiri vaMwari ndezvenhema uye rwakaita kuti vanhu vanopfidza vazowana makomborero. Saka rwakabatsira kuzadzisa “zvinofarirwa naJehovha”