Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

USHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU–PUROGIRAMU YEZVOKUITA UYE ZVICHADZIDZWA FEBRUARY 2017

 KURARAMA KWECHIKRISTU

Batsirai Vana Venyu Kuti Vanyatsotenda Kuti Musiki Ariko

Batsirai Vana Venyu Kuti Vanyatsotenda Kuti Musiki Ariko

Zvinhu zvakasikwa zvinozivisa kubwinya kwaJehovha. (Pis 19:1-4; 139:14) Asi nyika yaDhiyabhorosi iri kusimudzira dzidziso dzinozvidza Mwari dzekuti hakuna Musiki. (VaR 1:18-25) Mungaita sei kuti dzidziso dzakadaro dzisadzika midzi mumwoyo yevana venyu? Vabatsirei kubva vachiri vadiki kuti vave nekutenda kwakasimba kwekuti Jehovha ariko uye kuti anovada. (2VaK 10:4, 5; VaE 6:16) Kurukurai navo kuti muzive zviri mumwoyo yavo maererano nezvavanodzidziswa kuchikoro, uye shandisai mabhuku nezvimwewo zvinobudiswa nesangano kuti munyatsovabatsira.Zvi 20:5; Jak 1:19.

ONAI VHIDHIYO INONZI ZVINOTAURWA NEVEZERA RAKO—KUTENDA KUTI MWARI ARIKO, MOZOKURUKURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Inhema dzipi dzinowanzotaurwa nevanhu panyaya yekutenda muna Mwari?

  • Kuchikoro kwenyu munodzidziswa kuti kudii?

  • Chii chinoita kuti uti Jehovha ariko zvechokwadi?

  • Ungabatsira sei mumwe munhu kuona kuti Mwari ndiye akasika zvose?