Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

USHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU–PUROGIRAMU YEZVOKUITA UYE ZVICHADZIDZWA FEBRUARY 2017

Mharidzo Dzekuenzanisira

Mharidzo Dzekuenzanisira

MUKAI!

Mubvunzo: Vechidiki vakawanda vari kubatwa nechirwere chedepression. Munofunga kuti vangabatsirwa sei?

Zvekutaura: Magazini iyi ine mazano anobatsira vechidiki padambudziko iri, uye zvingaitwawo nevabereki kubatsira vana vavo.

DZIDZISA CHOKWADI

Mubvunzo: Murume nemudzimai vanofanira kuitei kuti vagarisane zvakanaka?

Rugwaro: VaE 5:33

Chokwadi: Kana murume nemudzimai vachiratidzana rudo uye vachiremekedzana, imba yavo inogara.

BHAIBHERI RINOMBODZIDZISEI CHAIZVO?

Mubvunzo: Bhaibheri parinoti kuchava ‘nematenga matsva nenyika itsva,’ rinenge richirevei?

Rugwaro: 2Pe 3:13

Zvekutaura: Bhuku iri rinotsanangura kuti upenyu munyika itsva huchange hwakaita sei. Onai peji 33, ndima 15 kusvika ku23.

NYORAWO MHARIDZO YAKO

Nyorawo mharidzo yako pachako yomuushumiri uchitevedzera mharidzo yokuenzanisira iri pamusoro apa.