Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

USHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU–PUROGIRAMU YEZVOKUITA UYE ZVICHADZIDZWA FEBRUARY 2016

 KURARAMA KWECHIKRISTU

Koka Munhu Wese Wemundima Yenyu kuChirangaridzo!

Koka Munhu Wese Wemundima Yenyu kuChirangaridzo!
ONA
Mufananidzo
Mashoko

Pamushandirapamwe watichaita kutanga musi wa27 February, tichakoka vanhu vakawanda sezvinobvira vemunharaunda yedu kuti vabatane nesu pamusangano wekuyeuka rufu rwaKristu. Tinofanirawo kucherechedza vose vanenge vafarira kuitira kuti tizokurukura navo zvakare.

ZVATINGAITA

IPA MHARIDZO YAKO

“Tiri kupa vanhu mapepa aya ekuvakoka kuchiitiko chinokosha zvikuru. Musi wa23 March, mamiriyoni evanhu pasi rose achaungana kuti ayeuke rufu rwaJesu Kristu uye kuti anzwe hurukuro yeBhaibheri asingabhadhari, inotaura nezvekuti rufu rwake rwunotibatsira sei. Pepa iri rinoratidza nzvimbo nenguva ichaitwa musangano wacho munharaunda yedu. Huyai kana muchikwanisa.”

Kana munhu afarira . . .

  • MUPE NHARIREYOMURINDI

    Siya pekutangira kuitira paunozodzokera.

  • MURATIDZE VHIDHIYO YECHIRANGARIDZO

    Siya pekutangira kuitira paunozodzokera.

Paunomuona kechipiri, unogona . . .

  • KUMURATIDZA VHIDHIYO YANEI UCHIFANIRA KUDZIDZA BHAIBHERI?

    Wadaro mupe chimwe chezvinyorwa zvatinodzidza nevanhu Bhaibheri.

  • KUMUPA BHUKU RABHAIBHERI RINOMBODZIDZISEI CHAIZVO?

    Muudze mamwe mashoko ane chekuita neChirangaridzo uchishandisa peji 206-208, uye musiyire bhuku racho.

  • KUMUPA BHUROCHA RATEERERA MWARI

    Kurukurai kuti rufu rwaKristu rwunotibatsira sei muchishandisa peji 18-19, uye musiyire bhurocha racho.