Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu–Purogiramu Yezvokuita Uye Zvichadzidzwa  |  February 2016

 KURARAMA KWECHIKRISTU

Uhwu Ndihwo Upenyu

Uhwu Ndihwo Upenyu

Vechiduku vari musangano vane mikana yekuita zvakawanda pakushumira Jehovha. Ona vhidhiyo inonzi Uhwu Ndihwo Upenyu kuti uone kuti ndezvipi zvakanaka zvakaitwa naCameron achiri mudiki. Chibva wapindura mibvunzo inotevera. (Enda pajw.org, pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > VARI KUYARUKA.)

  • Ibasa ripi raikosheswa naCameron kubva achiri muduku?

  • Akaita chisarudzo chekuwedzera ushumiri hwake riini uye akazviita sei?

  • Akagadzirira sei kunoshumira kune imwe nyika yaidiwa vaparidzi vakawanda?

  • Zvinhu zvipi zvakanga zvakaomera Cameron paaishumira kune imwe nyika?

  • Nei zvichigona kubatsira kuti tishumire Jehovha tiri munzvimbo kana kuti nharaunda yatisati tamboshanda?

  • Cameron akawana makomborero api?

  • Nei kushumira Jehovha kuchiita kuti munhu anakidzwe neupenyu?

  • Ndeipi mimwe mikana inokwanisa kuwanikwa nevechiduku vari musangano raJehovha?