Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Purogiramu yeUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu  |  December 2017

 KURARAMA KWECHIKRISTU

Chii Chinonzi Rudo Rwechokwadi?

Chii Chinonzi Rudo Rwechokwadi?

Jehovha anoti wanano mubatanidzwa wemurume nemudzimai uye vanofanira kuramba vari vese. (Ge 2:22-24) Upombwe chete ndihwo hungaita kuti vanhu varambane. (Mar 2:16; Mt 19:9) Sezvo Jehovha achida kuti vanhu vafare muwanano, akatipa mazano anotibatsira kusarudza neuchenjeri munhu wekuroorana naye uye zvatinofanira kuita kuti tizoramba tichifara.—Mup 5:4-6.

ONA VHIDHIYO YAKANZI CHII CHINONZI RUDO RWECHOKWADI?, WOZOPINDURA MIBVUNZO IYI:

  • Nemhaka yei kutsiurwa kwakaitwa Lizzy nevabereki vake kwaiva kwakanaka?

  • Nemhaka yei usingafaniri kufunga kuti unogona kuchinja unhu hwemunhu wauri kudanana naye?

  • Hama nahanzvadzi Robert vakabatsira sei Lizzy?

  • Chii chakaita kuti Zach naMagie vatange kunetsana?

  • John naLizzy vaiva nezvinangwa zvipi pakunamata zvakafanana?

  • Usati waroorana nemumwe munhu, nei uchifanira kutanga waziva “munhu akavanzika womwoyo” wake? (1Pe 3:4)

  • Chii chinonzi rudo rwechokwadi? (1VaK 13:4-8)