Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Zvapupu zvichiparidza pamusika kuSierra Leone

PUROGIRAMU YEUSHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU December 2017

Mharidzo Dzekuenzanisira

Mharidzo yeMukai! uye yekudzidzisa chokwadi nezverufu. Shandisa mienzaniso iyi pakugadzira mharidzo dzako.

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Tsvaka Jehovha Zuva Rekutsamwa Kwake Risati Rasvika

Kana tichida kuzoponeswa naJehovha pazuva rekutsamwa kwake, tinofanira kuteerera zvakataurwa naZefaniya.

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

“Batisisa Mupendero Wenguo yemuJudha”

Vanhu vemarudzi ese vari kudirana vachiuya kuzonamata Jehovha Mwari vachitsigira vaKristu vakazodzwa. Tingatsigira sei vakazodzwa?

KURARAMA KWECHIKRISTU

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kuparidzira Munhu Wese Mundima Yedu

Tinoda kuparidzira mashoko akanaka kuvanhu vese vari mundima yedu. Tingazviita sei?

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Ramba Uri ‘Mumupata Wemakomo’

“Mupata wemakomo” unomiririrei? Vanhu vanotizira sei imomo?

KURARAMA KWECHIKRISTU

Chinhu Chitsva Pamusangano Wepakati Pevhiki

Shandisa tsanangudzo dzemamwe mashoko uye mapikicha nemavhidhiyo zviri muBhaibheri rekudzidza pakugadzirira musangano uye zvichakuswededza pedyo naJehovha.

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Wanano Yako Inofadza Jehovha Here?

Panguva yakararama Maraki, Jehovha haana kugamuchira kunamata kwevanhu vainyengera madzimai avo. Zvii zvingaitwa nevanhu vakaroorana kuti varambe vakavimbika?

KURARAMA KWECHIKRISTU

Chii Chinonzi Rudo Rwechokwadi?

Jehovha anovenga kurambana. Anopa mazano anotibatsira kusarudza neuchenjeri munhu wekuroorana naye uye zvatinofanira kuita kuti tizoramba tichifara.