Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Purogiramu yeUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu  |  December 2016

 PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ISAYA 1-5

“Ngatikwirei Kugomo raJehovha”

“Ngatikwirei Kugomo raJehovha”

2:2, 3

“Nemazuva okupedzisira”

Mazuva atiri kurarama

“Gomo reimba yaJehovha”

Kunamatwa kwaJehovha kwakachena kwakakwirira kupfuura kumwe kwese

“Marudzi ose achadirana achienda kwariri”

Vanhu vanogamuchira chokwadi vanonamata vakabatana

“Uyai, ngatikwirei kugomo raJehovha”

Vanamati vechokwadi vanokoka vamwe

“Achatirayiridza nezvenzira dzake, uye isu tichafamba mumakwara ake”

Jehovha anotidzidzisa achishandisa Shoko rake uye anotibatsira kufamba munzira dzake

2:4

“Havazodzidzizve kurwa”

Isaya akataura kuti zvombo zvehondo zvaizochinjwa kuti zvive zvinhu zvekurimisa, zvichiratidza kuti vanhu vaJehovha vaizogarisana zvakanaka. Ndezvipi zvaishandiswa munguva yaIsaya?

‘Mapakatwa achava miromo yemagejo’

1 Muromo wegejo ndiwo waibaya muvhu pakurima. Mimwe yacho yaigadzirwa nesimbi.—1Sa 13:20

‘Mapfumo achava zvokuchekerera miti’

2 Zvokuchekerera miti zvinogona kunge zvaiva zvakafanana nejeko rine mubato. Zvaishandiswa pakubvisa matavi emizambiringa.—Isa 18:5