Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

USHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU–PUROGIRAMU YEZVOKUITA UYE ZVICHADZIDZWA DECEMBER 2016

Mharidzo Dzekuenzanisira

Mharidzo Dzekuenzanisira

MUKAI!

Mubvunzo: Vanhu vakawanda vanoda kuva neutano. Munofunga kuti zvii zvatingaita kuti tizvidzivirire pazvirwere?

Rugwaro: Zvi 22:3

Zvekutaura: Magazini iyi inotsanangura zvinhu zvatinogona kuita kuti tizvidzivirire pazvirwere.

DZIDZISA CHOKWADI

Mubvunzo: Mwari ndiye anokonzera kuti vanhu vatambure here?

Rugwaro: Job 34:10

Chokwadi: Mwari haasi iye anoita kuti titambure. Matambudziko anokonzerwa naSatani, vanhu vakaipa uye dzimwe nguva unenge wangosanganidzanawo nazvo. Patinotambura, Mwari anotoda kutibatsira nekuti anotida.

NEI UCHIFANIRA KUDZIDZA BHAIBHERI? (Vhidhiyo)

Mubvunzo: Munofunga kuti Mwari ndiye ari kutonga pasi rose here? [Rega apindure.] Munogona kushamiswa nezvinotaurwa neBhaibheri. Tarisai muone zviri kutaurwa nevhidhiyo iyi. [Muratidze vhidhiyo yacho.]

Zvekutaura: Chitsauko 11 chebhuku iri chinotsanangura kuti sei Mwari achirega tichitambura uye kuti ari kurongei. [Mupe bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?]

NYORAWO MHARIDZO YAKO

Nyorawo mharidzo yako pachako yomuushumiri uchitevedzera mharidzo yokuenzanisira iri pamusoro apa.