Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Sarudza Mutauro Shona

 PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | TITO 1–FIRIMONI

“Gadza Vakuru”

“Gadza Vakuru”

Tit 1:5-9

Tito akapiwa basa ‘rekugadza vakuru muguta rimwe nerimwe.’ Ndizvo zvinoitwawo nevatariri vematunhu pavanogadza hama muungano.

DARE RINOTUNGAMIRIRA

Dare Rinotungamirira rinotevedzera zvaiitwa nevaKristu vepakutanga. Rinopa basa iri rinokosha kuvatariri vematunhu kuti vagadze vakuru nevashumiri veungano.

VATARIRI VEMATUNHU

Mutariri wedunhu mumwe nemumwe anofanira kunyatsofungisisa uye onyengetera paanenge achiongorora hama dzinenge dzanzi nevakuru dzinogona kugadzwa, uye anobva agadza vanenge vachikodzera.

VAKURU VAKAGADZWA

Kunyange kana hama ikagadzwa semukuru, inofanira kushanda nesimba kuti irambe ichisvitsa zvinodiwa neMagwaro.