Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Sarudza Mutauro Shona

 KURARAMA KWECHIKRISTU

Jesu Akafirawo Hama Yako

Jesu Akafirawo Hama Yako

Jesu akafira vanhu vanotadza. (VaR 5:8) Semunhu mumwe nemumwe tinotenda rudo rwatakaratidzwa naJesu nekutifira kwaakaita. Asi dzimwe nguva tinofanira kuzviyeuchidza kuti Kristu akafirawo hama dzedu. Tingaratidzawo sei rudo serwaKristu kuhama nehanzvadzi dzedu dzinotadzawo sezvatinoita? Funga nezvezvinhu zvitatu. Chekutanga, pashamwari dzedu tinofanira kutsvagawo vamwe vane upenyu hwakasiyana nehwedu. (VaR 15:7; 2VaK 6:12, 13) Chechipiri, tinofanira kungwarira kuti zvatinotaura kana kuti zvatinoita zvisagumbura vamwe. (VaR 14:13-15) Chekupedzisira, kana mumwe munhu akatikanganisira tinofanira kukurumidza kumuregerera. (Ru 17:3, 4; 23:34) Kana tikaedza kutevedzera Jesu panyaya iyi, Jehovha achaita kuti ungano ive nerugare uye irambe yakabatana.

ONA VHIDHIYO INONZI WEDZERA KUVA MUNHU AKANAKA! WOZOPINDURA MIBVUNZO IYI:

  • Miki aiona sei vanhu vemuungano yake mazuva ekutanga?

  • Chii chakazoita kuti maonero ake achinje?

  • Zvakaitwa naJesu zvakabatsira sei Miki kuchinja mafungiro ake? (Mk 14:38)

  • Zvirevo 19:11 ingatibatsira sei kuti titsvage zvinhu zvakanaka pavaKristu vatinonamata navo?