Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Sarudza Mutauro Shona

 KURARAMA KWECHIKRISTU

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Mashandisiro Atingaita JW.ORG

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Mashandisiro Atingaita JW.ORG

SEI ZVICHIKOSHA? Mabhuku nezvimwe zviri muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa zvinoita kuti vanhu vazive nezvejw.org. Chinangwa chikuru chekadhi reJW.ORG uye cheturakiti rakanzi Ndekupi Kwatingawana Mhinduro Dzemibvunzo Mikuru Yeupenyu? ndechekuti vanhu vaende pawebsite yedu. Unogona kushandisa jw.org kupa munhu zvinhu zviri muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa. Unogona kuzviita nekumutumira pae-mail kana kuti kumutumira link yacho. Izvi zvinonyanya kubatsira kana ukaparidzira munhu anotaura mumwe mutauro. Dzimwe nguva vanhu vanogona kubvunza mibvunzo inopindurwa nebhuku risiri muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa. Kana tikagona kushandisa jw.org, tinogona kubatsira vanhu vakawanda muushumiri.

MAITIRWO AZVO:

ONA VHIDHIYO INONZI MASHANDISIRO ATINGAITA JW.ORG, WOONA KUTI UNGASHANDISA SEI JW.ORG KUTI UBATSIRE:

  • munhu anoti hakuna Mwari

  • munhu awirwa nedambudziko

  • hama kana kuti hanzvadzi isingachaiti mabasa echiKristu

  • munhu wawakamboona ari kuda kuziva kuti mari yekuita basa redu inobvepi

  • munhu wekune imwe nyika ari kuda kuzopinda misangano kunyika yake