Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Purogiramu yeUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu  |  August 2017

 KURARAMA KWECHIKRISTU

Iva Neunhu Hunodiwa naMwari​—Kuzvininipisa

Iva Neunhu Hunodiwa naMwari​—Kuzvininipisa

NEI ZVICHIKOSHA?

  • Kuzvininipisa kunoita kuti ufarirwe naJehovha.​—Pis 138:6

  • Kuzvininipisa kunoita kuti ugarisane zvakanaka nevamwe.​—VaF 2:3, 4

  • Kuzvikudza kunoita kuti zvinhu zvikuipire.​—Zvi 16:18; Eze 28:17

MAITIRWO AZVO:

  • Kumbira mazano kune vamwe uye ibva waashandisa.​—Pis 141:5; Zvi 19:20

  • Bvuma kuita mabasa akaderera.​—Mt 20:25-27

  • Usazvikudza pamusana peunyanzvi hwauinahwo kana kuti mabasa aunoita.​—VaR 12:3

Zvii zvandingaita kuti ndiwedzere kuva munhu anozvininipisa?

ONA VHIDHIYO INONZI DZIVISA ZVINHU ZVINOPARADZA KUVIMBIKA​—KUZVIKUDZA, WOZOPINDURA MIBVUNZO IYI:

  • Zvatinoita kana tatsiurwa zvinoratidzei?

  • Munyengetero unotibatsira sei kuti tiwedzere kuzvininipisa?

  • Ndezvipi zvimwe zvatingaita kuti tiratidze kuti tinozvininipisa?