Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

USHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU–PUROGIRAMU YEZVOKUITA UYE ZVICHADZIDZWA AUGUST 2016

 PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAPISAREMA 102-105

Jehovha Anoyeuka Kuti Tiri Guruva

Jehovha Anoyeuka Kuti Tiri Guruva

Dhavhidhi akashandisa zvirungamutauro paaitaura nezvengoni dzaJehovha.

  • 103:11

    Hatikwanisi kunyatsonzwisisa kudzama kwemutsa worudo waJehovha sekutadza kunzwisisa kwatingaita kuti pane makiromita mangani kubva panyika kusvika kudenga rizere nenyeredzi

  • 103:12

    Jehovha anoisa zvivi zvedu kure nesu sokuva kure nakure kwakaita kumabvazuva nekumavirira

  • 103:13

    Jehovha anonzwira ngoni vanhu vanozvidemba vobva vapfidza zvivi zvavo, sekungonzwira tsitsi kunoita baba vane mwana wavo akuvara