Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

USHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU–PUROGIRAMU YEZVOKUITA UYE ZVICHADZIDZWA AUGUST 2016

 KURARAMA KWECHIKRISTU

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kubatsira Vatinodzidza Navo Bhaibheri Kuti Vazvitsaurire Uye Vabhabhatidzwe

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kubatsira Vatinodzidza Navo Bhaibheri Kuti Vazvitsaurire Uye Vabhabhatidzwe

NEI ZVICHIKOSHA? Kuti vafarirwe naJehovha, vanhu vatinodzidza navo Bhaibheri vanofanira kuzvitsaurira kwaari vobhabhatidzwa. (1Pe 3:21) Vaya vanorarama zvinoenderana nekuzvitsaurira kwavakaita vanodzivirirwa pazvinhu zvingakanganisa ukama hwavo naMwari. (Pis 91:1, 2) MuKristu anozvitsaurira kuna Jehovha, kwete kune mumwe munhu, basa kana kuti sangano. Saka, vatinodzidza navo Bhaibheri vanofanira kuwedzera kuda uye kuonga Mwari.VaR 14:7, 8.

MAITIRWO AZVO:

  • Pamunenge muchidzidza, kurukurai kuti zvamuri kudzidza zvinoratidzei nezvaJehovha. Mukurudzire kuverenga Bhaibheri zuva nezuva uye ‘kuramba’ achinyengetera kuna Jehovha.1VaT 5:17; Jak 4:8

  • Mukurudzire kuti ade kuzozvitsaurira uye kuzobhabhatidzwa. Uyezve, mubatsire kuti azadzise zvinangwa zvidiki zvakadai sekupindura pamisangano kana kuti kuparidzira vavakidzani vake uye vaanoshanda navo. Yeuka kuti Jehovha haamanikidzi vanhu kuti vamushumire. Munhu anozvisarudzira ega kana achida kuzvitsaurira.Dhe 30:19, 20

  • Kurudzira waunodzidza naye kana paine paanofanira kugadzirisa muupenyu hwake kuti afadze Jehovha uye azokodzera kubhabhatidzwa. (Zvi 27:11) Sezvo humwe unhu nemaitiro zvichigona kunge zvakadzika midzi, waunodzidza naye Bhaibheri anoda kuramba achibatsirwa kuti abvise unhu hwekare opfeka unhu hutsva. (VaE 4:22-24) Muratidze nyaya dziri muNharireyomurindi dzakanzi “Bhaibheri Rinochinja Upenyu”

  • Muudze mufaro waunawo nemhaka yekushumira Jehovha.Isa 48:17, 18