Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Sarudza Mutauro Shona

 KURARAMA KWECHIKRISTU

Dzidziswa naJehovha

Dzidziswa naJehovha

NEI ZVICHIKOSHA? Jehovha, Murayiridzi wedu Mukuru, anotipa dzidzo yakanaka kupfuura dzese. Anotidzidzisa kuti tive neupenyu hwakanaka, tive neunhu huchaita kuti tizokodzera kurarama nekusingaperi, uye haatibhadharisi! (Isa 11:6-9; 30:20, 21; Zva 22:17) Dzidziso yatinopiwa naJehovha inoita kuti tigone kudzidzisa vamwe kuti vazoponawo.​—2VaK 3:5.

MAITIRWO AZVO:

  • Iva munhu munyoro uye anozvininipisa.​—Pis 25:8, 9

  • Shandisa zvatiri kupiwa naJehovha kuti atidzidzise, zvakadai sekuita hurukuro dzevadzidzi dzepamusangano wepakati pevhiki

  • Iva nezvinangwa zvekunamata.​—VaF 3:13

  • Zvipire kusiya zvimwe zvinhu uchiitira kuti uwedzere kudzidziswa naJehovha.​—VaF 3:8

ONA VHIDHIYO INONZI MAKOMBORERO ATAKAWANA NEKUDZIDZISWA KWATAKAITWA NAJEHOVHA, WOZOPINDURA MIBVUNZO IYI:

  • Vamwe vakakunda matambudziko api kuti vapinde Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo?

  • Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo chinodzidzisei?

  • Vemuungano vakabatsira sei hama nehanzvadzi dzakanga dzabva kuchikoro ichi?

  • Ndezvipi zvinodiwa kuti ukwanise kupinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo? (kr 189)

  • Ndezvipi zvimwe zvaunogona kudzidziswa musangano raJehovha?

Makomborero api auchawana kana ukadzidziswa naJehovha?