Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Sarudza Mutauro Shona

 PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 VAKORINDE 14-16

Mwari Achava “Zvinhu Zvese Kuvanhu Vese”

Mwari Achava “Zvinhu Zvese Kuvanhu Vese”

15:24-28

Vanhu vanoramba vakavimbika kuna Jehovha vachawana makomborero akawanda. Patinoudza vamwe nezvemakomborero aya tichifara, zvinoita kuti tigare tichifunga nezvawo. Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu kuti vafungidzire zvichaitika pachazopera Kutonga kwaKristu Kwemakore 1 000, Jehovha paachava “zvinhu zvese kuvanhu vese.”

Makomborero api aunonyanya kutarisira, uye nemhaka yei?

Chii chinoita kuti unyatsova nechokwadi chekuti Mwari achazadzisa zvaakavimbisa?