Mapisarema 87:1-7

  • Ziyoni, guta raMwari wechokwadi

    • Vaya vakaberekerwa muZiyoni (4-6)

Pisarema revanakomana vaKora.+ Rwiyo. 87  Guta rake rakavakirwa mumakomo matsvene.+   Jehovha anoda magedhi eZiyoni+Kupfuura matende ese aJakobho.   Zvinhu zvinoshamisa kwazvo zviri kutaurwa pamusoro pako, haiwa iwe guta raMwari wechokwadi.+ (Sera)   Ndichaverenga Rahabhi+ neBhabhironi pakati pevaya vanondiziva;Pane Firistiya uye pane Tire, pamwe chete neKushi. Zvichanzi: “Uyu ndiye akaberekerwa ikoko.”   Uye zvichanzi nezveZiyoni: “Mumwe nemumwe akaberekerwa mariri.” Uye Wekumusorosoro acharisimbisa kwazvo.   Paanenge achinyora marudzi, Jehovha achazivisa kuti: “Uyu ndiye akaberekerwa ikoko.” (Sera)   Vaimbi+ pamwe chete nevaya vanenge vachitamba vachitenderera+ vachati: “Zvitubu zvangu zvese zviri mauri.”*+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Muri tsime rezvinhu zvese kwandiri.”