Mapisarema 11:1-7

  • Kupotera muna Jehovha

    • “Jehovha ari mutemberi yake tsvene” (4)

    • Mwari anovenga munhu wese anoda zvemhirizhonga (5)

Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi. 11  Ini ndakapotera kuna Jehovha.+ Saka sei muchiti kwandiri:* “Tizira kugomo rako seshiri!   Tarisai kukunga uta kuri kuita vakaipa;Vanoisa museve wavo pauta,Kuti vapfure vane mwoyo yakarurama murima.   Kana nheyo* dzaparadzwa,Munhu akarurama angaitei?”   Jehovha ari mutemberi yake tsvene.+ Chigaro chaJehovha cheumambo chiri kumatenga.+ Maziso ake anoona, uye maziso ake* anonyatsoongorora vanakomana vevanhu.+   Jehovha anoongorora munhu akarurama pamwe chete neakaipa;+Anovenga* munhu wese anoda zvemhirizhonga.*+   Achanayisira vakaipa misungo;*Moto nesarufa+ nemhepo inopisa ndizvo zvichaiswa mukapu yavo.   Nekuti Jehovha akarurama;+ anoda mabasa akarurama.+ Vakarurama vachaona chiso chake.*+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “kumweya wangu.”
Kana kuti “nheyo dzekutonga zvakarurama.”
Kana kuti “maziso ake anopenya.”
Kana kuti “Mweya wake unovenga.”
Kana kuti “zvekurwisana.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “marasha anobvira.”
Kana kuti “vachafarirwa naye.”