Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Sarudza Mutauro Shona

Bhuku raEzekieri

Zvitsauko

Zviri Mubhuku Racho

  • 1

    • Ezekieri anooneswa zviratidzo zvaMwari muBhabhironi (1-3)

    • Chiratidzo chengoro yaJehovha yekudenga (4-28)

      • Dutu, gore, nemoto (4)

      • Zvisikwa zvipenyu zvina (5-14)

      • Mavhiri mana (15-21)

      • Chinhu chaiita sechakawaridzwa, chaipenya sechando (22-24)

      • Chigaro cheumambo chaJehovha (25-28)

  • 2

    • Ezekieri anopiwa basa rekuprofita (1-10)

      • “Kunyange vakateerera kana kuti vakaramba” (5)

      • Anoratidzwa gwaro rainge rakanyorwa nziyo dzekushungurudzika (9, 10)

  • 3

    • Ezekieri anonzi adye gwaro raanopiwa naMwari (1-15)

    • Ezekieri anogadzwa kuti ave murindi (16-27)

      •  Kurega kuita basa rake kunounza mhosva yeropa (18-21)

  • 4

    • Chiratidzo chekukombwa kweJerusarema (1-17)

      • Chivi chinotakurwa kwemazuva 390 nemazuva 40 (4-7)

  • 5

    • Zvichaitika pakuparadzwa kweJerusarema (1-17)

      • Bvudzi remuprofita raazvigera rinoitwa zvikamu zvitatu (1-4)

      • Jerusarema rinonetsa kupfuura mamwe marudzi (7-9)

      • Vapanduki vanorangwa nenzira nhatu (12)

  • 6

    • Kuprofita pamusoro pemakomo eIsraeri (1-14)

      • Zvidhori zvinosemesa zvichashaya basa (4-6)

      • “Muchaziva kuti ndini Jehovha” (7)

  • 7

    • Kuguma kwasvika (1-27)

      • Dambudziko rakasiyana nemamwe (5)

      • Kukanda mari mumigwagwa (19)

      • Temberi ichasvibiswa (22)

  • 8

    • Ezekieri anoendeswa kuJerusarema muchiratidzo (1-4)

    • Mutemberi munoonekwa zvinhu zvinosemesa (5-18)

      • Vakadzi vari kuchema Tamuzi (14)

      • Varume vari kunamata zuva (16)

  • 9

    • Varume 6 vanouraya; uye murume ane nyanga yeingi (1-11)

      • Kutonga kuchatangira panzvimbo tsvene (6)

  • 10

    • Moto unotorwa pakati pemavhiri (1-8)

    • Kutsanangurwa kwemakerubhi nemavhiri (9-17)

    • Kubwinya kwaMwari kunobva patemberi (18-22)

  • 11

    • Machinda akaipa anotongwa (1-13)

      • Guta rinofananidzwa nehari yekubikira (3-12)

    • Vimbiso yekudzorerwa kunyika yavo (14-21)

      • Kupiwa “mweya mutsva” (19)

    • Kubwinya kwaMwari kunobva paJerusarema (22, 23)

    • Ezekieri anodzokera kuKadheya muchiratidzo (24, 25)

  • 12

    • Zvinhu zvinofananidzira kutapwa (1-20)

      • Mukwende wekutapwa nawo (1-7)

      • Jinda richaenda kwasviba (8-16)

      • Kudya vachishushikana, kunwa mvura vachitya (17-20)

    • Chirevo chenhema chinofumurwa (21-28)

      • “Hapana shoko rangu richanonoka kuitika” (28)

  • 13

    • Kuprofita pamusoro pevaprofita venhema (1-16)

      • Madziro akadzururwa nevhu jena achadonha (10-12)

    • Kuprofita pamusoro pevaprofitakadzi venhema (17-23)

  • 14

    • Vanamati vezvidhori vanotongwa (1-11)

    • Jerusarema richatotongwa chete (12-23)

      • Varume vakarurama vanoti, Noa, Dhanieri, naJobho (14, 20)

  • 15

    • Jerusarema muzambiringa usingabatsiri (1-8)

  • 16

    • Mwari anoda Jerusarema (1-63)

      • Anomuwana akaita semwana akaraswa (1-7)

      • Mwari anomushongedza oita sungano naye yekuti ave wake (8-14)

      • Mukadzi wacho anoratidza kusatendeka (15-34)

      • Anorangirwa upombwe hwake (35-43)

      • Anofananidzwa neSamariya neSodhomu (44-58)

      • Mwari anoyeuka sungano yake (59-63)

  • 17

    • Chirahwe chemakondo maviri nemuzambiringa (1-21)

    • Nhungirwa ichava musidhari unoyevedza (22-24)

  • 18

    • Mumwe nemumwe anotongerwa mhosva yake (1-32)

      • Mweya unotadza uchafa (4)

      • Mwanakomana haazorangirwi mhosva yababa vake (19, 20)

      • Haafariri rufu rwemunhu akaipa (23)

      • Munhu anosiya zvakaipa achawana upenyu (27, 28)

  • 19

    • Rwiyo rwekuchema machinda eIsraeri (1-14)

  • 20

    • Nhoroondo yekupanduka kweIsraeri (1-32)

    • VaIsraeri vanovimbiswa kuti vachadzoswa (33-44)

    • Kuprofita pamusoro pevekumaodzanyemba (45-49)

  •  21

    • Mwari anovhomora bakatwa rake rekutonga vanhu (1-17)

    • Mambo weBhabhironi acharwisa Jerusarema (18-24)

    • Jinda rakaipa reIsraeri richabviswa (25-27)

      • ‘Bvisa korona’ (26)

      • “Kusvikira ane kodzero yepamutemo asvika” (27)

    • Bakatwa rinorwisa vaAmoni (28-32)

  • 22

    • Jerusarema iguta rine mhosva yekudeura ropa (1-16)

    • Israeri yakaita setsvina inobviswa pasimbi (17-22)

    • VaIsraeri nevatungamiriri vavo vanotongwa (23-31)

  • 23

    • Mukoma nemunin’ina vasina kutendeka (1-49)

      • Ohora akaita chipfambi neAsiriya (5-10)

      • Ohoribha akaita chipfambi neBhabhironi neIjipiti (11-35)

      • Vakadzi vacho vaviri vanorangwa (36-49)

  • 24

    • Jerusarema rakaita semudziyo wekubikira une ngura (1-14)

    • Kufa kwemudzimai waEzekieri chiratidzo kuvanhu (15-27)

  • 25

    • Uprofita pamusoro peAmoni (1-7)

    • Uprofita pamusoro peMoabhi (8-11)

    • Uprofita pamusoro peEdhomu (12-14)

    • Uprofita pamusoro peFiristiya (15-17)

  • 26

    • Uprofita pamusoro peTire (1-21)

      • “Nzvimbo yekunanikira mambure ekukukudzisa” (5, 14)

      • Matombo nevhu zvichakandwa mumvura (12)

  • 27

    • Rwiyo rwekuchema Tire, ngarava iri kunyura (1-36)

  • 28

    • Uprofita pamusoro pamambo weTire (1-10)

      • “Ndiri mwari” (2, 9)

    • Rwiyo rwekuchema mambo weTire (11-19)

      • “Waiva muEdheni” (13)

      • “Kerubhi rakazodzwa rinoita basa rekuchengetedza” (14)

      • ‘Wakatanga kuita zvisina kururama’ (15)

    • Uprofita pamusoro peSidhoni (20-24)

    • VaIsraeri vachadzoswa (25, 26)

  • 29

    • Uprofita pamusoro paFarao (1-16)

    • Bhabhironi richapiwa Ijipiti semubhadharo (17-21)

  • 30

    • Uprofita pamusoro peIjipiti (1-19)

      • Kurwisa kwaNebhukadhinezari kunoziviswa (10)

    • Farao anotorerwa simba rake (20-26)

  • 31

    • Kuwa kweIjipiti, musidhari wakareba (1-18)

  • 32

    • Rwiyo rwekuchema Farao neIjipiti (1-16)

    • Kuvigwa kweIjipiti pamwe chete nevasina kuchecheudzwa (17-32)

  • 33

    • Basa remurindi (1-20)

    • Shoko rekuputswa kweJerusarema (21, 22)

    • Shoko kuvanogara mumatongo eJerusarema (23-29)

    • Vanhu vanorega kuita zvavanoudzwa (30-33)

      • Ezekieri akaita “serwiyo rwerudo” (32)

      • “Pakati pavo paiva nemuprofita” (33)

  • 34

    • Uprofita pamusoro pevafudzi veIsraeri (1-10)

    • Jehovha anochengeta makwai ake (11-31)

      • “Mushumiri wangu Dhavhidhi” achaafudza (23)

      • “Sungano yerugare” (25)

  • 35

    • Uprofita pamusoro penzvimbo ine makomo yeSeiri (1-15)

  • 36

    • Uprofita pamusoro pemakomo eIsraeri (1-15)

    • Kudzoswa kwevaIsraeri (16-38)

      • “Ndichatsvenesa zita rangu guru” (23)

      • “Semunda weEdheni” (35)

  • 37

    • Chiratidzo chebani rine mapfupa akaoma (1-14)

    • Tutanda tuviri tuchabatanidzwa (15-28)

      • Rudzi rumwe chete ruchitongwa namambo mumwe chete (22)

      • Sungano yerugare inogara nekusingaperi (26)

  • 38

    • Gogi anorwisa Israeri (1-16)

    • Jehovha anotsamwira Gogi (17-23)

      • ‘Marudzi achaziva kuti ndini Jehovha’ (23)

  • 39

    • Gogi nemauto ake vanoparadzwa (1-10)

    • Kuvigwa muBani raHamoni-Gogi (11-20)

    •  Kudzoswa kwevaIsraeri (21-29)

      • Mweya waMwari unodururirwa pana Israeri (29)

  • 40

    • Ezekieri anoendeswa kuIsraeri muchiratidzo (1, 2)

    • Ezekieri anooneswa temberi (3, 4)

    • Zvivanze nemagedhi (5-47)

      • Gedhi rekunze rekumabvazuva (6-16)

      • Chivanze chekunze; mamwe magedhi (17-26)

      • Chivanze chemukati nemagedhi (27-37)

      • Dzimba dzaishandiswa patemberi (38-46)

      • Atari (47)

    • Vharanda retemberi (48, 49)

  • 41

    • Nzvimbo tsvene yetemberi (1-4)

    • Madziro nedzimba dzemumikoto (5-11)

    • Chivakwa chekumavirira (12)

    • Kuyerwa kwezvivakwa (13-15a)

    • Mukati menzvimbo tsvene (15b-26)

  • 42

    • Midhadhadha yedzimba dzekudyira (1-14)

    • Kuyerwa kwemativi mana etemberi (15-20)

  • 43

    • Kubwinya kwaJehovha kunozadza temberi (1-12)

    • Atari (13-27)

  • 44

    • Gedhi rekumabvazuva richaramba rakavharwa (1-3)

    • Mirayiro ine chekuita nevatorwa (4-9)

    • Mirayiro yevaRevhi nevapristi (10-31)

  • 45

    • Mupiro mutsvene neguta (1-6)

    • Nhaka yejinda (7, 8)

    • Machinda anofanira kutendeka (9-12)

    • Mupiro wevanhu; jinda (13-25)

  • 46

    • Mipiro yaifanira kupiwa pazviitiko zvakasiyana-siyana (1-15)

    • Kupiwa nhaka inobva pazvinhu zvejinda (16-18)

    • Nzvimbo yekubikira mipiro (19-24)

  • 47

    • Rukova runoyerera ruchibva mutemberi (1-12)

      • Mvura inoita ichiwedzera kuwanda (2-5)

      • Mvura yeGungwa Rakafa inonatswa (8-10)

      • Nzvimbo dzine machakwi hadzizonatswi (11)

      • Miti yemichero uye yekurapa (12)

    • Miganhu yenyika (13-23)

  • 48

    • Kugovewa kwenyika yacho (1-29)

    • Magedhi 12 eguta (30-35)

      • Guta rinonzi “Jehovha Ari Ipapo” (35)