Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 95:1-11

95  Haiwa, uyai tishevedzere kuna Jehovha tichifara!+ Ngatishevedzerei mukukunda kuDombo roruponeso rwedu.+   Ngatiendei pamberi pake tichionga;+ Ngatishevedzerei kwaari tichiimba nziyo mukukunda.+   Nokuti Jehovha ndiMwari mukuru+ Uye ndiMambo mukuru kupfuura vamwe vanamwari vose,+   Nzvimbo dzakadzika dzomukatikati menyika dziri muruoko rwake+ Uye ndiye muridzi wemisoro yemakomo;+   Ndiye muridzi wegungwa, raakaita iye+ Uye ndiye ane maoko akaumba nyika yakaoma.+   Haiwa, pindai, ngatinamatei tikotame;+ Ngatipfugamei+ pamberi paJehovha Muiti wedu.+   Nokuti iye ndiye Mwari wedu, uye isu tiri vanhu vemafuro ake nemakwai oruoko rwake.+ Nhasi kana mukateerera inzwi rake,+   Musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita paMeribha,+ Sezvamakaita pazuva reMasa murenje,+   Madzitateguru enyu paakandiedza;+ Akandiongorora, akaonawo basa rangu.+ 10  Ndakaramba ndichisemeswa nechizvarwa ichocho kwemakore makumi mana,+ Ndikati: “Ivo vanhu vane mwoyo yakatsauka,+ Uye ivo havana kusvika pakuziva nzira dzangu”;+ 11  Ivo vandakapika nezvavo ndakatsamwa ndichiti:+ “Havazopindi munzvimbo yangu yokuzororera.”+

Mashoko Emuzasi