Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 83:1-18

Rumbo. Rwiyo rwaAsafi.+ 83  Haiwa Mwari, regai kunyarara;+ Musaramba musingatauri, musaramba makanyarara, haiwa imi Mwari.+   Nokuti tarirai! vavengi venyu vari kuita mheremhere;+ Uye vaya vanokuvengai kwazvo vasimudza misoro yavo.+   Vanotaurirana zvakavanzika pamusoro pevanhu venyu nounyengeri;+ Uye vanorangana zvakaipa pamusoro pevanhu venyu vakavanzwa.+   Ivo vakati: “Uyai tivaparadze, varege kuva rudzi,+ Kuti zita raIsraeri rirege kuyeukwazve.”+   Nokuti vakarangana nomwoyo mumwe;+ Vakaita sungano vachirwisana nemi,+   Vaigara mumatende eEdhomu+ nevaIshmaeri, vaMoabhi+ nevaHagri,+   Gebhari naAmoni+ naAmareki, Firistiya+ pamwe chete nevagari vokuTire.+   Uyewo, Asiriya yakabatanawo navo;+ Vava simba revanakomana vaRoti.+ Sera.   Vaitirei sezvamakaitira Midhiyani,+ sezvamakaitira Sisera,+ Sezvamakaitira Jabhini+ pamupata une rukova weKishoni.+ 10  Vakatsakatiswa paEndori;+ Vakava mupfudze wenyika.+ 11  Asi itai kuti vanokudzwa vavo vave saOrebhu uye saZeebhu,+ Uye itai kuti machinda avo ose ave saZebha naZarimuna,+ 12  Vaya vakati: “Ngatiitei kuti nzvimbo dzokugara dzaMwari dzive dzedu.”+ 13  Haiwa Mwari wangu, itai kuti vave sechamupupuri chine rukato,+ Semashanga ari kupeperetswa nemhepo.+ 14  Somoto unopisa sango+ Uye somurazvo unopisa makomo,+ 15  Saizvozvowo vateverei nemhepo yenyu ine mvura+ Uye vavhundutsei nedutu renyu.+ 16  Fukidzai zviso zvavo nenyadzi,+ Kuti vanhu vatsvake zita renyu, haiwa Jehovha.+ 17  Haiwa, ivo ngavanyadziswe vavhunduke nguva dzose,+ Ngavatsveruke vaparare;+ 18  Kuti vanhu vazive+ kuti imi, mune zita rokuti Jehovha,+ Imi moga ndimi Wokumusorosoro+ kumusoro kwenyika yose.+

Mashoko Emuzasi