Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 82:1-8

Rwiyo rwaAsafi. 82  Mwari ari kumira muungano+ yaIye Ane Simba;+ Anotonga ari pakati pavanamwari achiti:+   “Mucharamba muchitonga musingaruramisiri kusvikira riniko+ Uye muchifarira vakaipa?+ Sera.   Ivai vatongi vomunhu akaderera nenherera.+ Ruramisirai munhu anotambudzika nomurombo.+   Pukunyutsai akaderera nomurombo;+ Vanunurei mumaoko evakaipa.”+   Havana kuziva, uye havanzwisisi;+ Vanoramba vachifamba-famba murima;+ Nheyo dzose dzenyika dzinozununguswa.+   “Ini ndakati, ‘Muri vanamwari,+ Uye imi mose muri vanakomana voWokumusorosoro.+   Chokwadi muchafa sezvinongoita vanhu;+ Muchawa sezvinoita mumwe wemachinda!’”+   Simukai, haiwa Mwari, mutonge nyika;+ Nokuti imi munofanira kuita kuti marudzi ose ave enyu.+

Mashoko Emuzasi